KwaunobvaDuramazwiPpaza

Duramazwi

paza

Zvinoreva

Kuputsa chinhu kana kupwanya musuo.

1

Kuputsa chinhu kana kupwanya musuo.

Tinashe akafira mafufu segonzo apo akapfurwa namapurisa achida kupaza chitoro.

Kupaza kupinda muchivakwa uchiita zvekumanikidza, usingashandisi musuo, kazhinji uchida kuba.

Kuti gurunu kupaza chinhu kusvikira chava zvimedu zvimedu.

2

Kupaza kuputsa chinhu changa chakamira.

3

Kana chipfuyo chapaza chinenge chabuda chega mudanga chisati chavhurirwa.

4

Kana munhu achipaza chivakwa anenge ava kuchipunza, kazhinji nokuti chakura kana kuti chava nenjodzi kuvanhu, kana kuti pachiri pachada kuvakwa chimwe chitsva.

5

Kupaza kupinda muchivakwa uchiita zvekumanikidza, usingashandisi musuo, kazhinji uchida kuba.

Mamwe mazwi ane P

P

Swipe for the next word