KwaunobvaDuramazwiNnzvenga

Duramazwi · chiito

nzvenga

avoid · evade · evasive

-dhiribhura-recha

Zvinoreva

Kana munhu achinzvenga anenge achitiza chimwe chinhu kana kuti mumwe munhu kuti asamuone.

1

Kana munhu achinzvenga anenge achitiza chimwe chinhu kana kuti mumwe munhu kuti asamuone.

Aida kuudza amai Mhofu straight pasina kunzvenga-nzvenga.

Kuti bvembere kutiza-tiza kana kunzvenga-nzvenga kuti usabatwe kana kuonekwa.

Uku kunzvenga-nzvenga kunoita munhu anotya kukundwa panenge pachirwiwa.

2

Kana mutambi webhora achinzvenga vamwe anenge achipinda-pinda nepakati pavo zvekuti vanotadza kumutorera bhora.

Zvakafanana

-dhiribhura · -recha

Mamwe mazwi ane N

N

Duramazwi

01 / 03

nzvenga nyaya

Kana munhu achinzvenga nyaya anenge achivharidzira zvaanenge achibvunzwa nokuti anenge asingadi kuti zvibude pachena.

Verenga

Swipe for the next word