Duramazwi
-nyinura-finyama-chenama
Zvinoreva
Kunyenama kuburitsa mazino pachena sezvinoita imbwa kana ichihon'a.
1
Kunyenama kuburitsa mazino pachena sezvinoita imbwa kana ichihon'a.
Iko zvino Maitakue kunyenama kwese kwainge kwavaperera vave munhu kwaye.
Three months dzese idzo mudumbu maTadiwa makatanga kurira apa nekunyenama kwanga kwakaita miss ava aiona pasina chaibuda.
Usaona imbwa kunyenama ukati unokusekerera.
2
Kunyenama kuvhura muromo wako uchiseka kana kuti uchitaura zvisina musoro.
3
Kana munhu achinzi anonyenama anenge achiunyanisa chiso kuratidza kushora munhu waanenge achitaura naye.
Zvakafanana
-nyinura · -finyama · -chenama
Mamwe mazwi ane N
NDuramazwi
01 / 03nyenga
Kana chironda chichinyenga chinenge chichiramba chichirwadza nokuenderera kukura, chisingapori.
VerengaSwipe for the next word