KwaunobvaDuramazwiNnyangarika

Duramazwi · chiito

nyangarika

disappear · vanish

mwakatika-nyamarara-ngarangaka-nyangadika

Zvinoreva

Kunyangarika kusazivikanwa kana kuonekwa kuti chinhu chafamba sei kana kuenda napapi, icho chambenge chiripo. Moto wamagoritoto unongoerekana wanyangarika sema-uyire aunoita.

1

Kunyangarika kusazivikanwa kana kuonekwa kuti chinhu chafamba sei kana kuenda napapi, icho chambenge chiripo. Moto wamagoritoto unongoerekana wanyangarika sema-uyire aunoita.

Vapedza kubatwa maoko vakabva vanyangarika zvakare.

Kuti fu kunyangarika zvokungoerekana pasisina chamuri kuona, sezvinoita nyoka yapinda mumwena.

Kuti penu kunyangarika nokukasira kunoita munhu achipinda mumhindo kana kuti achidzirwa nechimwe chinhu.

Zvakafanana

mwakatika · -nyamarara · -ngarangaka · -nyangadika

Mamwe mazwi ane N

N

Duramazwi

01 / 03

nyangata

Kunyangata kugunzva zvishoma neruoko.

Verenga

Swipe for the next word