KwaunobvaDuramazwiNnhaka

Duramazwi · zita

nhaka

hereditary · inheritable · heritage · inheritance · inherited · legacy · possess

nyamwaka la

Zvinoreva

Nhaka upfumi kana zvimwewo zvinotorwa nehama dzemunhu anenge afa.

Nhaka ndiro gore iroro ramunenge muri panguva yamunenge muchitaura.

1

Nhaka upfumi kana zvimwewo zvinotorwa nehama dzemunhu anenge afa.

Pfuma yenhaka inoparadza ukama.

Hona zuva redu rave kudoka asi tinoda kuti uzive kuti nhaka yenyika yandinokusiira iyi ndeyematambidzanwa.

Zvaizondirwadza kana waizoramba nhaka kana kusarudza mumwe murume isu tanga tichimbogara tose nguva yose iyi.

2

Nhaka ndiro gore iroro ramunenge muri panguva yamunenge muchitaura.

Gore rakapera kwakapisa asi nhaka kuchanaya matinhari chaiwo.

Nzizi huru zvadzapwa kudai nhaka tichafa nenzara.

Kana munhu achinzi agara nhaka anenge atora mudzimai nevana vanyakufa kuti avachengete.

Zvakafanana

nyamwaka la

Mamwe mazwi ane N

N

Duramazwi

01 / 03

nhako

Kana munhu achidyira nhako anenge achidya zvekusada kusiyira vamwe.

Verenga

Swipe for the next word