KwaunobvaDuramazwiNnhai

Duramazwi

nhai

diinhandi

Zvinoreva

Mashoko ekuzvininipisa papfuvura.

Iri izwi rinoshandiswa kana munhu achida kuziva kuti zviri kutaurwa ndezvechokwadi here.

Nhai izwi rinoshandiswa kana uchida kuti munhu ateerere zvauri kutaura, kana kuti munhu wauri kudaro akunzwe, kazhinji kana uchivhunza mubvunzo.

1

Mashoko ekuzvininipisa papfuvura.

Chiuya unditore kani nhai Tambaoga." "Ko, ndinokutorai seiko nhai baba!

Saka chiuya uzonditora ugondiisa panzvimbo yandichazorora pamwe chete namadzisekuru ako." "Ko, muri kupiko nhai baba?

Apa ndipo pakabuda noupenyu hwenyu nhai?

2

Iri izwi rinoshandiswa kana munhu achida kuziva kuti zviri kutaurwa ndezvechokwadi here.

Nhai muchabika doro kupera kwevhiki ino?

Saka chiuya uzonditora ugondiisa panzvimbo yandichazorora pamwe chete namadzisekuru ako." "Ko, muri kupiko nhai baba?

Apa ndipo pakabuda noupenyu hwenyu nhai?

3

Nhai izwi rinoshandiswa kana uchida kuti munhu ateerere zvauri kutaura, kana kuti munhu wauri kudaro akunzwe, kazhinji kana uchivhunza mubvunzo.

Uyo ndiani, nhai?

Nhai, Maidei, wadii kumbotorawo mwana uyu ukambotamba naye panze apo?

Apa ndipo pakabuda noupenyu hwenyu nhai?

Zvakafanana

dii · nhandi

Mamwe mazwi ane N

N

Swipe for the next word