KwaunobvaDuramazwiMmukoma

Duramazwi · zita

mukoma

elder · stepbrother · brother

vakomamunin'ina

Zvinoreva

Mumwe mwana anenge ari mukuru kwauri mumhuri.

1

Mumwe mwana anenge ari mukuru kwauri mumhuri.

Mukoma wake aisada hake zvisina basa.

Mukoma uyu nemunin'ina wake vane daka rokuti, kana kukwazisana chaiko, havagoni.

Ndazobva kutaura naye, hapaya ndichibva ndarova nemhiri kuti ndichinoona mukoma.

2

Mukoma musikana kana mukomana mukuru kune mumwe mumhuri.

3

Mukoma izwi rinoshandiswa kuremekedza wese musikana kana mukomana, mukadzi kana murume anenge ari mukuru kwauri.

4

Munguva dzehondo yeChimurenga ainzi mukoma ndewese aiva murwiri worusununguko.

Zvakafanana

vakoma

Zvakasiyana

munin'ina

Mamwe mazwi ane M

M

Swipe for the next word