KwaunobvaDuramazwiHhuku

Duramazwi · zita

huku

chicken · chicken; fowl · fowl

Zvinoreva

Huku isimbi yakajombama kumuromo kwayo inoshandiswa pakubatanidza zvinhu kana kuzvirembedza. Gejo necheni yepajoki zvinobatanidzwa nehuku.

Huku ishiri hombe. isingabhururuke zvinosvika kure. inopfuyiwa nevanhu ichidyiwa zvese nyama nemazai ayo.

1

Huku isimbi yakajombama kumuromo kwayo inoshandiswa pakubatanidza zvinhu kana kuzvirembedza. Gejo necheni yepajoki zvinobatanidzwa nehuku.

Huku ivi vakasiva dendere yondokandira mazai avo mugwati munogara nyoka.

Vhevhe rakatora huku yangu, asi nanhasi harisati randipa mari yangu.

Pataida kumuta huku yekuuraya takati warara chibage panze, idzo ndokubva dzauya dzichimhanya.

2

Huku kasimbi kane kumuromo kwakakombama kanosonererwa pahembe kanoshanda sebhatani.

3

Huku ishiri hombe. isingabhururuke zvinosvika kure. inopfuyiwa nevanhu ichidyiwa zvese nyama nemazai ayo.

Huku yangu yakachechenya hukwana gumi, zvekuti izvozvi pachivanzi pangu haisi huku ivovo!

Ini ndanyatsokuratidza nzira yakanaka yekucheka nayo huku, wava kuita zvokungobvamba-bvambura.

Amai vakanongerera chibage chose chaive pasi, vakachipa huku.

Mwana wa

nhiyo

Mamwe mazwi ane H

H

Swipe for the next word