KwaunobvaDuramazwiHhapana

Duramazwi · zita

hapana

nobody · none · nothing · nowhere

Zvinoreva

Tinoshandisa izwi rokuti hapana kuratidza kuti panenge pasina chinhu chiripo kana kuti chaitika kana kuti chataurwa.

Chihapana.

1

Tinoshandisa izwi rokuti hapana kuratidza kuti panenge pasina chinhu chiripo kana kuti chaitika kana kuti chataurwa.

Hapana kana nenyaya iripo apa.

Handei kumba.

Kwainge kumutyisidzirawo havo kuti ndokurova asi idi hapana chavaigona kumuita.

2

Kana munhu akakubvunza chimwe chinhu iwe usingadi kutaura, unongoti hapana kuitira kuti nyaya isaende kure.

3

Chihapana.

After all Lennon wacho vaive vasingamuzive Saka hapana pavaizombomutsvaga vakamuwana.

Ndinaye pakati pechanza cheruoko rwangu apa saka hapana kana zvaanomboita.

Zvisinei ndakazongosiyana hangu nazvo ndatoona kuti hapana zvandaikwanisa hangu kuita.

Mamwe mazwi ane H

H

Duramazwi

01 / 03

hapano

Tinoshandisa hapano munhoroondo kutaridza zvakazoitika pasure pechimwe chiitiko.

Verenga

Swipe for the next word