Tsumo · Unhu
Hapana mvura isina chura.
Zvinorehwa
Hapana musha kana nyika isina nyangadzi. Pose pagara vanhu panototi pave nomunhuishi. Zvakare hapana munhu anganzi mutswene zvachose, achishaya chaangaponerwa.
What it means
There is no homestead or country without wrongdoers; wherever people live, there will be troublemakers. Likewise, no person can ever be called entirely faultless, without something they could be blamed for.
Word for word
There is no water without a frog.
Mamwe mataurirwo
Hapana mutunhu usina nyoka.
Hapana imba isina gonzo.