KwaunobvaDuramazwiHhama

Duramazwi · zita

hama

brethren · kinsman · relative · kin

Zvinoreva

Hama yako munhu weropa rimwe chete newe, kana kuti munhu anoera mutupo umwe chete newe, kana kuti umwewo anobatanidzwa newe pakuroorerana. Pachivanhu hama dzomunhu hadziperi.

Hama isimbi ine musoro mukuru wesimbi unorema. uye ine tunzeve nomubato murefu. inoshandiswa kurovera zvipikiri pamwe nokuzvibvisa pazvambenge zvakaroverwa.

1

Hama yako munhu weropa rimwe chete newe, kana kuti munhu anoera mutupo umwe chete newe, kana kuti umwewo anobatanidzwa newe pakuroorerana. Pachivanhu hama dzomunhu hadziperi.

Batakue vakabva vaenda kwamaimhofu nekuti ndiyo yoga Hama yatadiwa yavaiziva.

Mai Goneso kana dziri hama dzemurume wavo vaive vakapedza kuti tsvai.

Vakaisa maefforts avo zvisingaite zvekuti chero nemumaroads yaivemo nyaya yake yekuti aitsvaga Hama.

2

Hama izwi rinoshandiswa nevanhu vanoshamwaridzana kunyangwe vasiri veropa rimwe.

3

Hama isimbi ine musoro mukuru wesimbi unorema. uye ine tunzeve nomubato murefu. inoshandiswa kurovera zvipikiri pamwe nokuzvibvisa pazvambenge zvakaroverwa.

Nhaimi ndairambidzwa kuchema mai vangu kuti zviite sei chokwadi iyo yaingove hama imwechete yandaive nayo?.

Hama dzabatakue dzakauya kuhospital kunhamo.

Mama vanoti vakafunga nhamo yekwavaive vabva kuti kwaive kusisina kana hama yekuti vaizonokumbira kugara nayo ikabvuma.

Zvakasiyana

mutorwa

Zvakafanana

sando

Mamwe mazwi ane H

H

Duramazwi

01 / 03

hama yepedyo

Uyu munhu wepaukama anenge ari iye anonyatsoziva nezvehama yake. Shoko rorufu parakauya mudzimai wake anova hama _vepedyo_ akabva aziviswa.

Verenga

Swipe for the next word