Duramazwi
Zvinoreva
Kufemba kufema zvinesimba uchikwevera mweya mukati, kuti usvute fodya yomumhino kana kuti unyatsonzwa munhuhwi kana hwema hwechimwe chinhu. Vazhinji vanoita zvokufemba fodya yebute asi vamwe vanoita zvokuiisa pasi porurimi.

Munhu ane svoto anenge ane maitiro okutaura mashoko anogumbura kana kufemba kana kurwadzisa mumwe.
Kufemba kuita zvinhu zvinogumbura umwe munhu.
Shamwari, zvinhu zvandaitirwa naforomani kubasa nhasi zvandifemba, zvokuti handifungi kuti tichakwanisa kushanda tose zvakanaka.
Zvakafanana
-shatirisa · -tsamwisa
Mamwe mazwi ane F
FDuramazwi
01 / 03fembedza
Kufema mweya nenzira yeruzivo kuitira kunzwa (to sniff).
VerengaSwipe for the next word