KwaunobvaDuramazwiFfema

Duramazwi · chiito

fema

breathe · inhale

-sura-simba-femu

Zvinoreva

Kana uchifema unenge uchikweva mweya nomumhino kana mukanwa, wombouendesa kumapapu, wozoubudisazve kunze. Kana munhu achiri kufema chete zvinotoreva kuti achiri mupenyu. Mhuka zhinji dzinongofemawo nomumhino zvinoita vanhu.

1

Ko, zvino ndoita sei?" Bundu raiva pahuro pake rakamurwadza zvokuti rakada kumutadzisa kufema.

Akaisa ruoko rwake pachipfuva chavo achiteerera kuti zvimwe vachiri kufema kana kuti anzwe kana hana ichiri kurova zvishoma.

Akanga oda kutadza kufema neshungu.

2

Kana munhu akabudisa mweya wakaipa tinogona kutaura nedimikira tichiti afema.

3

Kana munhu achinzi akafema anenge aine muviri muhombe.

Zvakafanana

-sura · -simba

Zvine chekuita

-femu

Mamwe mazwi ane F

F

Duramazwi

01 / 03

femba

Kufemba kufema zvinesimba uchikwevera mweya mukati, kuti usvute fodya yomumhino kana kuti unyatsonzwa munhuhwi kana hwema hwechimwe chinhu. Vazhinji vanoita zvokufemba fodya yebute asi vamwe vanoita zvokuiisa pasi porurimi.

Verenga

Swipe for the next word