KwaunobvaDuramazwiBbere

Zvinoreva

Bere imhuka ine tumavara tutema tudiki, ine makumbo emberi akareba kupinda ekumashure uye inofamba usiku nekudya nyama. Ukasavharira mbudzi dzinodyiwa nebere manheru.

1

Bere imhuka ine tumavara tutema tudiki, ine makumbo emberi akareba kupinda ekumashure uye inofamba usiku nekudya nyama. Ukasavharira mbudzi dzinodyiwa nebere manheru.

Chinono chinengee bere rakadya richifamba Tadiwa akabva angokwenyera moto iye ndokumhanya kunomira panze.

Mwoyochena ndowei bere kugarira mhuru yakafa zvayo?

Masuka mukanwa bere harirariri chipashupashu.

2

Kana mombe ichinzi ine bere inenge iine mwana mudumbu ichitarisira kuzobereka.

Zvakafanana

magondo · magwinhi · svitsi · tika · zamu

Mamwe mazwi ane B

B

Duramazwi

01 / 03

berebeda

Kuberebeda kudya chibage munhu achiruma dzimwe tsanga nemazino, dzimwe achisiyirira.

Verenga

Swipe for the next word