KwaunobvaTsumoUnhuAnonyumwa bere kurira ndouya akazora manda.

Tsumo · Unhu

Anonyumwa bere kurira ndouya akazora manda.

Zvinorehwa

Kunge zviya munhu akapara mhosva, kana akangonzwa panotaurwa nezvenhosva yacho anorohwa nehana nokunyumwa. Nokudaro, munhu akaipa anongonyumwa paya panenge pachitaurwa nezvavapi. Zvikuru kana munhu achiti akangoona mupurisa obvunda, zvinoreva kuti pane mhosva yaakapara.

What it means

Just as someone guilty of an offence flinches with fear when it is discussed, a wrongdoer is the one who reacts nervously whenever the crime is mentioned, especially if they panic on seeing a police officer, showing they have something to hide.

Word for word

He who is scared of a hyena's howling is he who has smeared (himself) with fat.

Mamwe mataurirwo

Unonyumwa bere kurira kuita sowakazora manda.

Anonyumwa chati kwata ndeane katurikwa.

Anonyumwa chati kwata ndeane chaakarembedza. (-rembedza: hang)

Dzimwe tsumo dzeunhu

Dzose

Tsumo · Unhu

01 / 03

Tenda muchero wadya zvinotenza mwoyo.

What it means

One should give thanks for something's success only once they have seen its reward.

Verenga

Swipe for the next proverb