Duramazwi
Zvinoreva
Kana chinhu chichinzi chakaurungana chinenge chakaenzana muviri wacho wese uye chinenge chakatsetseka.
1
Kana chinhu chichinzi chakaurungana chinenge chakaenzana muviri wacho wese uye chinenge chakatsetseka.
Rumwe rudzi rwenhokwe runa makona asi rumwe rwacho rwakaurungana.
Nhoko itsvina yembutzi, makonzo kana makonye inobuda yakaurungana kuita tubhora.
Izvi zvigodo zvichena zvakaurungana sesiwiti, zvinoiswa munhumbi kuti dzinhuhwire.
2
Kana munhu achinzi ane muviri wakaurungana anenge akasimba achitaridza utano.
Mamwe mazwi ane U
UDuramazwi
01 / 03urungu
Urungu maitiro kana matauriro anoita vanhu vatema vachiedza kutevedzera varungu.
VerengaSwipe for the next word