Duramazwi
Zvinoreva
Kurovera zvakasimba.
1
Kurovera zvakasimba.
Rega kutsindira mwena unobuda ishwa.
Kana uchipakirira homwe nezviyo unenge uchinyatsoizadza uchitoita zvokutsindira mukati.
Kutsindira pasi nemasimba netsoka kuratidza kutsamwa kana mufaro.
2
Kana uchitsindira unenge uchirovera ivhu kuti risimbe.
3
Kana kumusha vanhu vachirovera mumba vanenge vachishandisa zvikuvauro kurovera ivhu pasi, vobva vazomukwenenzvera nehurungudo.
4
Kana uchitsindira mwena unenge uchiuvhara neivhu.
5
Kutsindira kuita kuti munhu arege kutaura zvawamuudza.
Mamwe mazwi ane T
TDuramazwi
01 / 03tsine
Tsine kamunzwa katema, kanokura, kooma kubva muruva rinotumbuka pasora.
VerengaSwipe for the next word