KwaunobvaDuramazwiRrevera

Duramazwi

revera

Zvinoreva

Kurevera munhu kumumhan'arira uchibudisa mhosva yake pachena, zvinobva zvamuita kuti apinde mumatambudziko. Kana ukandirova ndinokurevera kuna baba.

1

Kurevera munhu kumumhan'arira uchibudisa mhosva yake pachena, zvinobva zvamuita kuti apinde mumatambudziko. Kana ukandirova ndinokurevera kuna baba.

Kuchera munhu kumurevera nyaya dzake dzanga dzakavandika kuti vanhu vazvizive.

Kana munhu achinzi ane ujarijari anenge ane tsika yokuwana upfumi nenzira yokurevera vanhu nhema.

Kumhan'ara kurevera munhu mhosva yaanenge aita.

2

Kana chimwe chinhu chichinzi charevera, chinenge chapa chiratidzo chokuti pane zvichatevera mberi. Vhiri rakaputika, motikari ikamboramba kumuka, tikatoona kuti izvi zvarevera, ngatichitofamba kwakachena.

Mamwe mazwi ane R

R

Duramazwi

01 / 03

reverera

Kureverera munhu kumupupurira kuti anenge asina kupara mhosva.

Verenga

Swipe for the next word