KwaunobvaDuramazwiNnhambwe

Duramazwi · zita

nhambwe

nhanhonharuchinhambo

Zvinoreva

Nzvimbo kana nguva iri pakati.

1

Nzvimbo kana nguva iri pakati.

2

Nhambwe kanzvimbo kanosara pakati pemakumbo, kubva panotsika rokutanga kusvika panozotsikawo rechipiri, achiteverana munhu achifamba.

Sekuru vane nhambwe refu, zvokuti kana uchifamba navo unenge uchingonzonza.

3

Nhambwe inguva yokubva pane imwe kuenda pane imwe.

Panhambwe yandakupai munofanira kupedza kunyora basa irori.

4

Nhambwe inzvimbo iri pakati kubva pamwe panhu kuenda pamwe.

Kubva pano kuenda kwaMunyikwa pane nhambwe yakadii?

5

Nhambwe mufambo mupfupi unofambika zviri nyore.

Nhambwe iripo zvayo asi munosvika netsoka manje-manje.

Zvakafanana

nhanho · nharu · chinhambo

Mamwe mazwi ane N

N

Duramazwi

01 / 03

nhamhu

Kuti nhamhu kuuruka kunoita ingwe ichinobata mhuka yainenge ichida kudya kana kurwisa.

Verenga

Swipe for the next word