Duramazwi · zita
Zvinoreva
Mutunhu urefu hwenzvimbo yaunofamba uchienda kana kubva kune imwe nzvimbo.
1
Mutunhu urefu hwenzvimbo yaunofamba uchienda kana kubva kune imwe nzvimbo.
Tadiwa ainge ongochema zvino oona kuti mutunhu waainge oda kudenha waive nemago nekuti BaTakue vainge vasina kudaira.
Hazvaiite kuridza ngoma uri mutunhu uri kure kure nekuti hapana aizonzwa.
Kwavaenda kwacho pane mutunhu asi netsoka panofambika zvapo.
2
Mutunhu inzvimbo iri kure. Kubva kwedu kusvika kwambuya pane mutunhu.
Mamwe mazwi ane M
MDuramazwi
01 / 03mutupiri
Mutupiri munhu anoita basa rekusambira pasi pemvura achinyukura vanhu kana zvinhu zvinenge zvanyura.
VerengaSwipe for the next word