Duramazwi
-monera
Zvinoreva
Kumoneredza kutenderedza sezvakaita waya pabango kana muchikomberedza musha. Ndi-noda kumoneredza waya ine maburi madiki pamiti iya iri kumunda, kuti isadyiwe nembudzi.
1
Kumoneredza kutenderedza sezvakaita waya pabango kana muchikomberedza musha. Ndi-noda kumoneredza waya ine maburi madiki pamiti iya iri kumunda, kuti isadyiwe nembudzi.
Kana uchisungirira gavi pamuti, unenge uchimoneredza pamuti wacho kuti risabva.
Kana uchimbundira mumwe unenge uchimubata wakamumoneredza kana kumukochekera nemaoko.
Kana ukambambaridza chinhu unenge wachisunga uchiita zvokuchimoneredza netambo dzakawanda.
Zvakafanana
-monera
Mamwe mazwi ane M
MDuramazwi
01 / 03monereka
Kana mugwagwa uchimonereka unenge uchienda nokwakatenderera usingatangi nokunanga kwaunoenda.
VerengaSwipe for the next word