Duramazwi
-gwamba
Zvinoreva
Kumandana kuoma kunoita mafuta kana mvura, zvichi-omarara kana kuita tumagodo. Mafuta ehwai paakaregwa achipora, akabva amandana.
1
Kumandana kuoma kunoita mafuta kana mvura, zvichi-omarara kana kuita tumagodo. Mafuta ehwai paakaregwa achipora, akabva amandana.
Kana ivhu rakafukudzika rinenge rakareruka, risisina kumandana kuita mavhinga.
Machangi tunyama twakavhenganidzwa nemagwiri nefurawa ndokufashaidzwa kusvika zvamandana.
Chigodo ndezvakamandana kuita chitombo chakaomarara.
Zvakafanana
-gwamba
Mamwe mazwi ane M
MDuramazwi
01 / 03mandaudzi
Mandaudzi imbudzi hadzi inongozvara nyenye imwe chete yobva yaregedza.
VerengaSwipe for the next word