KwaunobvaDuramazwiDdunhu

Duramazwi

dunhu

circuit · district · province · region

Zvinoreva

Nzvimbo, ingava huru kana diki, ine miganhu inozikanwa kana chimwe chinhu chinoisunga.

1

Nzvimbo, ingava huru kana diki, ine miganhu inozikanwa kana chimwe chinhu chinoisunga.

2

Dunhu inzvimbo yakakwirira.

3

Dunhu inzvimbo inogara vanhu veukama.

Makare ishe naishe ainge aine dunhu rake, rainge rine vanhu vane ukama hwaitozivikanwa rondedzero yacho.

4

Dunhu chikamu chenyika chiri pasi pepurovhinzi.

Purovhinzi yega yega ine matunhu akawanda ane vatungamiriri muParamende.

5

Purovhinzi.

6

Dunhu inzvimbo iri kumabudazuva, kumadokero, kumao-dzanyemba kana kuchamhembe kwenyika kana kwepasi rese.

Dunhu rekumabudazuva kwenyika ino ndi-ro rine gomo redu guru.

Nyika yedu iri kudunhu rekuchamhembe kwe-Afrika.

7

Dunhu inzvimbo inogona kusanganisira nyika dzakasiyana-si-yana dzinenge dzichishanda pamwe.

Svondo rino dunhu reSADC rine musangano uri kuongorora nyaya dzekutengeserana.

Mamwe mazwi ane D

D

Duramazwi

01 / 03

dunhura

Kana uchidunhura nzvimbo unenge uchitema tumiti tudiki kana mabukirwa mumunda kuti parimike kana kuvakika.

Verenga

Swipe for the next word