KwaunobvaDuramazwiDderera

Duramazwi · chiito

derera

decrease

Zvinoreva

Kuva pasi pevamwe kana pezvimwe.

1

Kuva pasi pevamwe kana pezvimwe.

Akatenderera nzvimbo dzainetsa kwazvo achipota neseri kwamatombo nemiti.

2

Kana uchiderera unenge uchibva pakakwirira uchienda kwakadzikira.

3

Kana nzvimbo ichinzi yakaderera inenge ichionekwa iri pazasi pedzimwe dzinenge dziri pamusoro.

4

Kana chinhu chiine mutengo wakaderera chinenge chakachipa.

5

Kana munhu achitaura nezwi rakaderera anenge achidudza mazwi zviri pasi pasi kuti asanzikwe nevanhu vakawanda.

6

Kana nzvimbo ichinzi yaderera inenge isisina mbiri neunaku hwayaisimbova nahwo.

Dhorobha rino raderera. Kare karo raidadisa.

7

Kana munhu akaderera anenge asina mari kana upfumi hwakawanda.

Isu vakaderera kudai hatigoni kundonwira doro kumahotera makuru.

Zvakafanana

dzikira

Mamwe mazwi ane D

D

Swipe for the next word