Kwaunobva

darika

Zvinoreva
  1. 1

    Kupfuura kana kupfuurira.

    ZveChrismas zvainge zvadarika hazvo.

    Unoti moyo wangu muchena here, usiku hwose hwadarika ndichingodzungaira, kana kumbobatwa nehope?

  2. 2

    Kudarika chinhu kupfuura nepachiri kana nepamusoro pacho. Darika mutanda iwoyo uuye kuno.

  3. 3

    Kana uchifamba, ukadarika nzvimbo, unenge waenda nechemberi uchisiya pawanga uchifanira kumira. Bhazi rakadarika chiteshi chidhakwa chakatovata zvacho.

  4. 4

    Kudarika kuti uchifamba wopinda nemune imwe nzvimbo wozobuda uchienda kwaunoenda. Munhu anobva Harare achienda kuMasvingo anogona kudarika nemuChivhu.

    Vose vaidarika nepamunda pedu vakatorwa mwoyonezvaiva zvaitika zuva iri.

  5. 5

    Kana munhu achidarika mumwe pakuita chimwe chinhu anenge achimukurira.

  6. 6

    Kana munhu achinzi akadarika mumwe anenge akareba kana kukura kumupinda.

  7. 7

    Kana ukapa vanhu zvinhu uchidarika mumwe unenge wangosiya iyeye ega usina kumupawo.

  8. 8

    Kana munhu achinzi adarika anenge akanganisa, aita zvinhu zvisiri pamutemo.

Mhuri yeizwi

Apps from the team behind Kwaunobva

Made in Zimbabwe by Invalcre (Pvt) Limited. Free, and they work offline.

Provisional Test Zimbabwe app iconProvisional Test ZimbabweZimbabwe VID test and Highway Code

Pass your Zimbabwe provisional driving test.

  • Every question of this year's papers, with the reason each answer is right
  • A readiness score that moves as you sit papers, so you know when to book
Provisional app: a timed test question asking which car at a junction goes last
Danho app iconDanhoZIMSEC O and A Level past papers

Every ZIMSEC past paper, offline, on your phone.

  • Works fully offline once a subject is downloaded
  • Progress tracked paper by paper, not just a percentage
Danho app: today's revision plan, with the questions left to revise and a paper to start per subject
Bhaibheri app iconBhaibheriThe Shona Bible and its hymnals

The Shona Bible. Every hymn your church sings. Free.

  • Two versions side by side, verse for verse
  • AFM, Methodist, RCZ, UMC, Baptist and SDA hymnals
Bhaibheri app: choosing a church hymnal, from Apostolic Faith Mission to Seventh-day Adventist
Denhe app iconDenheZimbabwe's public record

The record of what Zimbabwe publishes.

  • Take-home pay, ZESA units and mobile money charges worked out
  • Every school, university and bank, a page each
Denhe: the PAYE calculator working out take-home pay from a monthly salary