Duramazwi · zita
dare
bell · court · tribunal
Duramazwi · zita
bell · court · tribunal
Dare inzvimbo inogara vanhurume vakazorora pamusha vachikurukura, inoveswa moto uye inogonazve kuunzwa masadza vachidyirako.
Dare rudzi rwehohwa hune ruvara rwevhu, hunomera pachuru kana kuti mujihwo, hune chimusoro chinokura chaizvo.
Dare isimbi, kazhinji yakapafamara asi yakatesvera mberi, inoiswa mberi komuseve kuti ugone kubaya zvinhu.
Dare inzvimbo inogara vanhurume vakazorora pamusha vachikurukura, inoveswa moto uye inogonazve kuunzwa masadza vachidyirako.
Dare harizondi munhu, rinozonda mhosva.
Mhinduro dzinotarisirwa Tinovimba wakaona zvinotevera pakucherechedza kwawakaita dare rawakashanyira.
Zita rangu rakagarirwa dare kudenga ndisipo.
Dare inzvimbo inotongerwa nyaya pamuzinda waMambo kana wemutongi.
Dare vanhu vanenge vachitonga nyaya vachitungamirirwa namambo kana sadunhu. Dare harina kugutsikana neumboo hwakapiwa nechapupu.
Dare rudzi rwehohwa hune ruvara rwevhu, hunomera pachuru kana kuti mujihwo, hune chimusoro chinokura chaizvo.
Dare harizondi munhu, rinozonda mhosva.
Zita rangu rakagarirwa dare kudenga ndisipo.
Hama idzi dzakazombopandukira dare remusha, dzichiti dzinogona kugadzira zvadzo dzoga.
Dare isimbi, kazhinji yakapafamara asi yakatesvera mberi, inoiswa mberi komuseve kuti ugone kubaya zvinhu.
Hama idzi dzakazombopandukira dare remusha, dzichiti dzinogona kugadzira zvadzo dzoga.
Dare rakapedza nekugadzira hurongwa hwekudzidzisa vana mabasa netsika zvakasiyana nezuva rimwe nerimwe.
Rimwe zuva vakuru vomusha vakaita dare kuti vatarisire dambudziko rekushaikwa kwekugarisana zvakanaka pakati pevechidiki.
Duramazwi
01 / 03dare guru
Dare guru ndiro rinotonga mhosva hombe dzinenge dzatadzwa nematare madiki.
VerengaSwipe for the next word