KwaunobvaDuramazwiDdanga

Duramazwi

danga

herd

Zvinoreva

Danga inzvimbo inovakwa nemapango kana mabwe, inorara kana kuchengeterwa n'ombe nezvimwewo zvipfuwo.

1

Danga inzvimbo inovakwa nemapango kana mabwe, inorara kana kuchengeterwa n'ombe nezvimwewo zvipfuwo.

Pane danga pane mombe, pane hundi pagara hurudza.

Baba vake vakanga vasingasevenzi saka vakatsvaira danga rose vachiitira kuti aenderere mberi nechikoro.

Kana munhukadzi akadyirwa danga anenge akabhadharirwa pfuma yekuti achiroorwa.

2

Danga uwandu hwemombe dzomunhu mumwe chete.

3

Danga in'ombe dzinobvisiswa mukuwasha sechimwe chikamu cheroora.

Mamwe mazwi ane D

D

Duramazwi

01 / 03

dangameno

Dangameno mwana mudiki anenge amera mazino ake okutanga.

Verenga

Swipe for the next word