KwaunobvaDuramazwiYyera

Duramazwi

yera

-yedza

Zvinoreva

Kuyera kushandisa rura, chikero kana chimwe chiyereso kuti uone urefu, uremu kana ufarwa hwechimwe chinhu.

Kana munhu achiyera imwe mhuka, kana nhengo yeimwe mhuka ndiwo unenge uri mutupo wake, nokudaro anenge asingabvumirwe kuidya.

1

Kuyera kushandisa rura, chikero kana chimwe chiyereso kuti uone urefu, uremu kana ufarwa hwechimwe chinhu.

Vana mudhumeni vanoshandisa nhanho dzavo pakuyera minda.

Vavaki vanoshandisa mupimo kuyera urefu hwedanda.

2

Kuyera kupfeka hembe kana bhutsu kuti uone kuti zvinokwana here.

Ini kana ndichitenga chekupfeka, ndinotanga ndachiyera ndisati ndachibhadhara kuti ndione kuti chakandigara here.

3

Kana munhu achiyera imwe mhuka, kana nhengo yeimwe mhuka ndiwo unenge uri mutupo wake, nokudaro anenge asingabvumirwe kuidya.

Vavaki vanoshandisa mupimo kuyera urefu hwedanda.

Vakashandisa chiyero kuyera upamhi hwemunda.

4

Kana nzvimbo ichinzi inoyera inenge yakakosha, ine zviitiko zvisiri zvemazauva ose.

Gomo iri rinonzi rinoyera nekuti rinozvipisa rega muchirimo.

Zvakafanana

-yedza

Mamwe mazwi ane Y

Y

Duramazwi

01 / 03

yere

Izwi rinoreva kutarira.

Verenga

Swipe for the next word