Duramazwi · chiito
tsvedza
slippery · slide
Duramazwi · chiito
slippery · slide
Kana panhu pachitsvedza panenge pakakwenenzerwa kana kuti pari panyoro, zvokuti munhu akaresva kutsika anowira pasi. Ivhu repamba pavo chidhaka chiya chinotsvedza zvekuti kukangonaya chete panenge pava kudonhedza.

Hoyo, atsvedza, apunzikira pasi, asi baba vari kumusana chete.
Bunyupunyu kutadza kubata chinhu nemaoko nemhosva yokuti chinenge chichitsvedza.
Kuburumbundika kutadza kubatika kwechinhu pamusaka pokuti chinenge chichitsvedza.
Kana munhu akatsvedza anenge atsika panhu pakatsetseka kana pakanyorova panomutadzisa kumira obva atodonha.
Duramazwi
01 / 03tsvedzemuka
Kutsvedzemuka kuwa kwemunhu kana chimwe chinhu chinenge chatsika pane zvinotsvedza.
VerengaSwipe for the next word