Duramazwi · chiito
sona
sew
Duramazwi · chiito
sew
Kubatanidza zvinhu netsono neshinda.
Kubatanidza zvinhu netsono neshinda.
Mucheka wemadodzi madodzi ndiwo wakanaka kusona chipika.
Vakashandisa kotoni kusona hembe yemwana.
Kusona nhumbi kubatanidza mapandi ayo, kana kubatanidza pakabvaruka, uchishandisa tsono neshinda.
Kana uchisona munhu, unenge uchiramba uri padyo naye chero kwese kwaaenda.
Mbavha dzakanga dzakasona murume aiva negwama remari, dzichida kumubira.
Kana mbwa yakasona shuro inenge ichiidzingirira iri padhuzedhuze nayo.
Kusona muromo kunyarara, usingatauri nyange paunotarisirwa kutaura.
-tunga
-fudza
Duramazwi
01 / 03sonanidza
Kusonanidza kubatanidza neshinda, zvipenga zvakawanda zvenhumbi yakabvaruka-bvaruka.
VerengaSwipe for the next word