KwaunobvaDuramazwiSshamisira

Duramazwi

shamisira

Zvinoreva

Kana munhu achinzi anoshamisira, anenge achiitira mumwe munhu manyawi nechinangwa chokuti aonekwe somunhu akakosha kana kuti anoziva.

1

Kana munhu achinzi anoshamisira, anenge achiitira mumwe munhu manyawi nechinangwa chokuti aonekwe somunhu akakosha kana kuti anoziva.

Saka chashamisira chii kukutengera hembe dzekuti izopfeka kumberi uko.

Ko iko kufunda kwacho kwamunotodai kuvhaira nako mukadzi mukuru kunoshamisira chii?

Kuzvinanisira kuzvida kana kushamisira pane vanhu, kunyanya nemafambiro aunenge uchiita.

2

Kana chinhu chichishamisira chinenge chakanaka, uye chisina vazhinji.

Mamwe mazwi ane S

S

Duramazwi

01 / 03

shamu

Kamuti kakatetepa kanoshandiswa kurova kana kutyisidzira.

Verenga

Swipe for the next word