KwaunobvaDuramazwiRrwara

Duramazwi · chiito

rwara

ill · sick · unhealthy · be ill; sick

-konzwa

Zvinoreva

Kana munhu achirwara muviri wake unenge uchirwadziwa nokuda kwechitenda chinenge chiri maari, kana kuti nokuda kwekukuvara kwaanenge akaita.

1

Kana munhu achirwara muviri wake unenge uchirwadziwa nokuda kwechitenda chinenge chiri maari, kana kuti nokuda kwekukuvara kwaanenge akaita.

Ndonda munhu kana mhuka inongorwara-rwara, isina muviri wakasimba.

Uyu munhu anogara achingorwara-rwara, zvokuti munenge muchigara muchingofamba mun'anga muchibvunzira kuti sei achirwara.

Tadiwa akanzwa tsitsi kuti chokwadi Debra arwara.

2

Kana munhu akanzi anorwara anenge achipenga.

Zvakafanana

-konzwa

Mamwe mazwi ane R

R

Duramazwi

01 / 03

rwarira

Kana munhu achirwarira chimwe chinhu anenge achichida, achizama napose paanogona kuti achiwane.

Verenga

Swipe for the next word