Duramazwi · zita
Zvinoreva
Musambo inzira yokuita nayo chimwe chinhu.
Musambo ibutwa rakaputirwa neuswa kana nemashizha.
1
Musambo inzira yokuita nayo chimwe chinhu.
Uyu ndiwo musambo wokudzidzisa wava kukurudzirwa mazuvano.
2
Musambo rudzi rwemhanzi.
Zvino chiregai timbokuridzirai musambo werhumba.
3
Musambo maitiro emumwe munhu, kazhinji anenge asina kunaka.
Musambo wako wekufamba usiku, uchakupinza muna taisireva.
4
Musambo ibutwa rakaputirwa neuswa kana nemashizha.
Musambo uyu unowanzoshandiswa kana paine zvatinoda kuitirwa kubva kune vamwe vanhu.
Mhinduro dzinotarisirwa Tinodaira waona musambo wekusekedzana pachivhevhano.
Panewo dzimwe nzvimbo kana mamwe maitiro anoita kuti musambo uyu ubudirire.
Mamwe mazwi ane M
MDuramazwi
01 / 03Musami
Musami munhu werudzi rwevanhu vakabva kuEzhiya.
VerengaSwipe for the next word