KwaunobvaDuramazwiKkwirira

Duramazwi

kwirira

Zvinoreva

Kuva pachinzvimbo chiri pamusoro.

1

Kuva pachinzvimbo chiri pamusoro.

Unomuudza kuti akwirire, achikwirira.

Kuti denhu kudzika kunoita chinhu, chichifamba pakaderera chichibva pakakwirira.

Kuti bobo kudonha kwemadonhwe emvura kana echimwewo chinhu achibva pakakwirira.

2

Kana nzvimbo ichinzi yakakwirira inenge iri pamusoro kudarika zvakaitenderedza.

3

Kana munhu achishanda basa rakakwirira rinenge riri repamusoro, richimupa mari yakawanda.

4

Kana munhu ane izwi rakakwirira anenge achitaurira pamusoro zvekuti chero ari kure naye anozvinzwa.

5

Kukwirira munhu kudare kumumhan'arira mhosva yaanenge apara kuti atongwe.

Mamwe mazwi ane K

K

Duramazwi

01 / 03

kwiriti

Kwiriti mucheka, kazhinji muchena, unowanzofukwa nemadzimai, vakangoti kasva pamapendekete kana kumonera.

Verenga

Swipe for the next word