KwaunobvaDuramazwiFfinha

Duramazwi

finha

-tsaida-chichinha-sembura-dhaka-pfidasvota

Zvinoreva

Kuwanda kana kudzokorora kwechinhu zvinotosembura.

1

Kuwanda kana kudzokorora kwechinhu zvinotosembura.

Kuita nyaya mutorododo kurebesa nhoroondo kana tsananguro zvinotofinha vakateerera.

2

Kana chokudya chava kufinha, unenge waramba uchingodya chorudzi rumwe chete irworwo, zvokuti chinenge chisingachakunakiri, usisadi kuchidya zvakare.

3

Kana mumwe munhu achiita zvinhu zvinokufinha, anenge achiramba achingoita zvausingadi kana kuti zvinokushatirisa.

4

Kana wafinhwa nechimwe chinhu unenge waneta nacho, usingachadi kuchiita zvakare.

Shamwari, basa iri ndava kurirega nokuti randifinha.

5

Kana uchisekera kufinha munhu unenge uchiseka zviya zvokumusvotesa.

Zvakafanana

-tsaida · -chichinha · -sembura · -dhaka · -pfida · svota · rova moyo · chima

Zvine chekuita

-rakwa

Mamwe mazwi ane F

F

Duramazwi

01 / 03

finhika

Kana ukafinhika mvura yawakatakura unenge wairasa mushure mokunge wagumburwa.

Verenga

Swipe for the next word