Duramazwi
-femerwa
Zvinoreva
Kufemera mweya kuufuridza uchipinda mukati mechimwe chinhu.
1
Kufemera mweya kuufuridza uchipinda mukati mechimwe chinhu.
Ukuwo mamoyo akapinda mumba mamaitakue achifemera mudenga.
Zvinonetsa kuti unyatsomisa bhora mumwe munhu achikufemera mugotsi.
2
Kufemera chisikwa kuisa mweya mukati macho kuti chive chinhu chipenyu.
Mwari chete ndiye ane simba rokufemera munhu mweya wokuti ararame.
3
Kana midzimu ikakufemera inenge yakupa pfungwa kana mukana unozokusvitsa pachinhano chakanaka, waita sokufembera zvokuita.
Zvine chekuita
-femerwa
Mamwe mazwi ane F
FDuramazwi
01 / 03femera mugotsi
Kana mumwe munhu achikufemera mugotsi anenge achikutevera ari pedyo pedyo newe imi muchimhanya mose.
VerengaSwipe for the next word