Duramazwi
Zvinoreva
Kana munhu achinzi anodadisa anenge achiita zvinhu zvakanaka zvekuti vamwe vanhu vanonzwa kufara nazvo.
1
Kana munhu achinzi anodadisa anenge achiita zvinhu zvakanaka zvekuti vamwe vanhu vanonzwa kufara nazvo.
Vatambi vebhora vemunyika yedu vanodadisa chose pavanokurira dzimwe timu.
Tete Mai Muza vakange vari mudenga rechinomwe nokuti mwanasikana wehanzvadzi akange adadisa.
Musambo wawadzidza maringe neunhu uye nyaya dzekuremekedzana zvichakubatsira kuti uve chizvarwa chenyika yako chinodadisa.
Mamwe mazwi ane D
DDuramazwi
01 / 03dadu
Kana datya richiti dadu rinenge richisvetuka richindomhara nechemberi.
VerengaSwipe for the next word