KwaunobvaDuramazwiCchipimo

Zvinoreva

Chipimo chiyereso chakatarwa, kazhinji chinopihwa senhamba chinoshandiswa kuera zvinhu zvakaita seuremu, tembiricha kana urefu hwechimwe chinhu.

1

Chipimo chiyereso chakatarwa, kazhinji chinopihwa senhamba chinoshandiswa kuera zvinhu zvakaita seuremu, tembiricha kana urefu hwechimwe chinhu.

Zvipimo zveuremu ndezvakaita segiramu, kilogiramu kana tani.

2

Chipimo mudziyo wokuyeresa zvinhu.

Chipimo chesadza rapakamba chiduku.

3

Chipimo muganhu unotarisirwa pamaitiro.

Ukaona munhu ava kupisa imba nehasha, ndiko kunonzi kupenga zvisina chipimo.

Zvakafanana

chiyero · chiyereso · mwero

Mamwe mazwi ane C

C

Duramazwi

01 / 03

chipinda

Chipinda mupanda weimba.

Verenga

Swipe for the next word