KwaunobvaDuramazwiBboora

Duramazwi · zita

boora

-pfonda-dura-buurura-dodyora

Zvinoreva

Kana munhu achiboora chinhu anenge achichibaya nechinangwa chokuti chisare chava neburi.

Muboora.

1

Kana munhu achiboora chinhu anenge achichibaya nechinangwa chokuti chisare chava neburi.

Kufonon'ona kuboora chinhu, sezvakaita budzi rakaoma, kuti zviri mukati zvibude.

Mboora munhu anoita zvinhu zvinenge zvisina tsarukano mukugarisana kwake navamwe.

Kupebvora kuboora chinhu chakanyorovera uchishandisa chinhu chakapinza sebanga.

2

Kana ukanzi waboora unenge wawana chimwe-wo chinhu nyore.

3

Muboora.

Kufonon'ona kuboora chinhu, sezvakaita budzi rakaoma, kuti zviri mukati zvibude.

Kupebvora kuboora chinhu chakanyorovera uchishandisa chinhu chakapinza sebanga.

Kubvujudza mudziyo kuuboora zvinoita kuti zvinenge zviri mukati zvirasikire kunze.

Zvakafanana

-pfonda · -dura · -buurura · -dodyora

Mamwe mazwi ane B

B

Duramazwi

01 / 03

bopa

Kubopa kuva munhu akaneta asina simba.

Verenga

Swipe for the next word