Duramazwi · zita
Zvinoreva
Zvinhu zvakaoma kana kuti zvinorwadza.
1
Zvinhu zvakaoma kana kuti zvinorwadza.
2
Kana zvokudya zvichinzi zvikukutu zvinenge zvisina kubikwa kana kuibva.
Zvikukutu zvawashingirira kudya izvi zvichakunzwisa mudumbu.
3
Kana zvokudya zvichinzi zvikukutu zvinenge zvichidyiwa zvisina muriwo.
Mwanangu, zvinhu zvakaita somutakura kana mbambaira ndizvo zvinonzi zvikukutu, kwete sadza.
4
Kana zvinhu zvinenge zvaitika zvikanzi zvikukutu zvinenge zvarwadza vanhu.
Pamusha apa aitika zvikukutu. Vana vose varohwa nemheni.
5
Kana zviitiko zvakaita senyaya ingazotongwa padare zvichinzi zvikukutu, zvinenge zvakaoma zvichitonetsa kugadzirisa.
Mamwe mazwi ane Z
ZDuramazwi
01 / 03zvikumbiro
appeals
VerengaSwipe for the next word