Duramazwi
Zvinoreva
Tinoshandisa zvako kana tichida kuti mumwe munhu anzwe kusununguka.
Tinoshandisa zvako kana tichiyemura zvakaita kana zvakaitirwa mumwe munhu.
1
Tinoshandisa zvako kana tichida kuti mumwe munhu anzwe kusununguka.
Svika zvako shamwari, imbwa iyi hairumi.
Idya zvako nnanha!
Ko, zvaunorara zvako kudaro, unofunga kuti ndichadzoka here?
2
Tinoshandisa zvako kana tichiyemura zvakaita kana zvakaitirwa mumwe munhu.
Zvako wena wakapasa bvunzo.
Ko, zvaunorara zvako kudaro, unofunga kuti ndichadzoka here?
Asi kutya kupi nokupi zvako hakuna kumbopinda muhana make.
Mamwe mazwi ane Z
ZDuramazwi
01 / 03zvamazvirokwazvo
Iri izwi rinoshandiswa kana munhu achida kutsinhira kuti zvaari kutaura hazvisi zvamanyepo.
VerengaSwipe for the next word