KwaunobvaDuramazwiVvhiyiwa

Duramazwi

vhiyiwa

Zvinoreva

Kana mombe kana imwewo mhuka inodyiwa nyama zvikavhiyiwa zvinenge zvaurayiwa zvikabviswa dehwe nekuchekwa-chekwa.

1

Kana mombe kana imwewo mhuka inodyiwa nyama zvikavhiyiwa zvinenge zvaurayiwa zvikabviswa dehwe nekuchekwa-chekwa.

Nhehwe iganda rinosara panenge pavhiyiwa mhuka, rinozosukutwa roitwa chigariro.

Kuti tsendu kupara nyama inenge yakanamira padehwe remhuka yavhiyiwa.

Oparesheni kuvhiyiwa kunoitwa munhu achibviswa kana kugadziridzwa imwe nhengo yemuviri wake.

2

Kana munhu akavhiyiwa anenge achekwa kuchipatara, achiongororwa kana kubviswa chinenge chichimurwadza. Unogona kuvhiyiwa nachiremba kana akaona kuti muura mako mune chinhu chinofanira kubviswa.

3

Kana munhu achinzi akavhiyiwa anenge achekwa nebanga zvokuita mavanga akadzika uye akawanda. Kana ukafamba usiku unovhiyiwa nematsotsi anenge achifunga kuti une mari.

Mamwe mazwi ane V

V

Duramazwi

01 / 03

vhiyo

Vhiyo munhu asingatani kufurirwa nevamwe, zvokuti anotokanganwa zvekumba kwake achingoita zvekwevamwe.

Verenga

Swipe for the next word