Duramazwi
umhizha
craftsmanship
Duramazwi
craftsmanship
Umhizha unyanzvi pabasa rokupfura simbi kuita matemo, mapfumo, mapadza nezvi-mwewo. Makarekare umhizha hwaipfumisa kana kwaita hondo yaida mapfumo, makano nemiseve.
Umhizha unyanzvi pabasa rokupfura simbi kuita matemo, mapfumo, mapadza nezvi-mwewo. Makarekare umhizha hwaipfumisa kana kwaita hondo yaida mapfumo, makano nemiseve.
Singa umhizha hwokuita chinhu hunoita zvokutambidzanwa mumhuri. Mafa ane masinga asekuru vake okuredza hove nemaduwo.
Zvose zvavanoda vanozviwana munguva diki chaiyo kuburikidza neumhizha hutsva hwekufambiswa kwemashoko.
Pfungwa dzakanyatsorongwa neumhizha dzichitevedzana zvinogutsa, dzinobatsira kuti muverengi anyatsoona gwara renyaya namagumo ayo.
Duramazwi
01 / 03umhombwe
Umhombwe kurara nemunhukadzi kana munhurume zvisiri pamutemo.
VerengaSwipe for the next word