KwaunobvaDuramazwiTtengera

Duramazwi

tengera

Zvinoreva

Kutengera munhu chinhu kubudisa mari yako uchichitenga kuti uzondomupa.

1

Kutengera munhu chinhu kubudisa mari yako uchichitenga kuti uzondomupa.

Saka chashamisira chii kukutengera hembe dzekuti izopfeka kumberi uko.

Bacaren vakabva vasvika vakabata havo zvavainge vatengera mhuri yavo.

Amai Mhofu vakazoburitsa zvavainge vatengera vana vavo.

2

Kutengera munhu anenge chitengesa zvinhu zvake, kumubhadhara mari iye achikupa chaunoda. Ndinowanzoda kutengera mai vemusika wekunze uya nekuti vanoita muriwo wakanaka chaizvo.

Mamwe mazwi ane T

T

Swipe for the next word