KwaunobvaDuramazwiSsvikira

Duramazwi

svikira

confront

Zvinoreva

Kana wasvikira munhu unenge wamuwanikidza achiita chimwe chinhu, kazhinji chakaipa.

Kana uchisvikira chimwe chinhu unenge wakareba zve-kugona kuchibata.

1

Kana wasvikira munhu unenge wamuwanikidza achiita chimwe chinhu, kazhinji chakaipa.

Ndamusvikira achiba shuga mumba umo.

2

Kana wasvikira muchimwe chinhu unenge wangochiwanikidza chichiri kuitwa.

Pandakabva mhiri ndakasvikira mukukohwa.

3

Kana munhu asvikira kumwe kunhu anenge atanga kuendako asati apfuurira mberi.

Vakuwasha vaida kuroora vakasvikira kwavatete.

4

Kana uchisvikira chimwe chinhu unenge wakareba zve-kugona kuchibata.

Ini handigoni kusvikiri orenji iro asi iwe unokwanisa.

I think imi makadaro munonyatsoziva kuti chii chinoitika kana ukavasvikira vane misoro miviri.

Akangoshinyira achienda nokuti ainge atozviudza kuti aifanha kusunga dzisimbe kusvikira aita zvaaida kuita.

Mamwe mazwi ane S

S

Duramazwi

01 / 03

svikiro

Svikiro munhu anogarwa nemudzimu.

Verenga

Swipe for the next word