KwaunobvaDuramazwiPpesana

Duramazwi · chiito

pesana

disagree

Zvinoreva

Kana vanhu vachipesana vanenge vachisangana munzira, mumwe achienda nokwabva mumwe, mumwe achiendawo nokwabvawo mumwe.

1

Kana vanhu vachipesana vanenge vachisangana munzira, mumwe achienda nokwabva mumwe, mumwe achiendawo nokwabvawo mumwe.

Uku kupesana-pesana kunenge kuchiita zvinhu zvakawanda, zvichienda mativi akasiyana.

Bvonyongera vanhu vakawanda vanenge vachingofamba vachipesana-pesana.

Iyi itambo hobvu yakarukwa tutambo twacho tudiki tuchipesana-pesana.

2

Kupesana kutadza kuwirirana kwevanhu.

3

Kupesana kupotsa kuonana kwavanhu panzvimbo yavanenge vataurirana.

Mamwe mazwi ane P

P

Duramazwi

01 / 03

pesanisa

Kana ukapesanisa vanhu unenge wakonzera kuti vatadze kuwirirana pamusoro pezvaunenge waita.

Verenga

Swipe for the next word