Duramazwi
-changamuka-chenjera
Zvinoreva
Kana munhu achinzi akangwarira anenge akachenjera kunyanya panyaya dzoupenyu.
1
Kana munhu achinzi akangwarira anenge akachenjera kunyanya panyaya dzoupenyu.
Kuchangamuka kuva munhu akangwarira-ngwarira pane zvese zvaanoita. Mwana akachangamuka anobatsira vabereki basa kana abva kuchikoro.
Chete Maitakue vacho raiva dofo zvaro asi kungongwarira paduri sehuku chete, hapana chaizivikanwa kunze kwemakuhwa nenungo.
2
Kana munhu achiita zvinhu akangwarira anenge achizviita akachenjerera kusawira munjodzi.
Mai vakaudza mwana kuti aya-mbuke mugwagwa akangwarira.
3
Kuchenjerera.
Zvakafanana
-changamuka · -chenjera
Mamwe mazwi ane N
NDuramazwi
01 / 03ngwarisa
Kana munhu achinzi akangwarisa anenge akachenjera zvekupfurikidza mwero.
VerengaSwipe for the next word