KwaunobvaDuramazwiMmukaka

Duramazwi · zita

mukaka

milk

Zvinoreva

Mukaka kunwa kunobva muzamu ramai, kunonwiwa nevana vacho.

1

Mukaka kunwa kunobva muzamu ramai, kunonwiwa nevana vacho.

Nyaya yedhorobha iyi yave kuita kuti mwana ane mukaka pamhuno adanane neharahwa, afambe akashama muviri wakayanikwa panze.

Paakati bwiru mukaka weupfu, akakachidzwa zvekuti akaburitsa madzihwa nemisodzi.

Mukaka waamai ava unoshata nokuti vanotanga vaurura kirimu vasati vatengesera vanhu.

2

Mukaka kudya kwemhuru kunokamwa nevanhu pazamu remhou, vachinwa ivo kana kushandiswa zvimwe zvavanoda.

3

Kunwa kuchena kunobva muzamu romunhu kana remhuka.

4

Mukaka muto muchena unobuda pane mimwe miti kana heji.

Mamwe mazwi ane M

M

Duramazwi

01 / 03

mukakata

Mukakata munhu anonyima, asingadi kugovana zvinhu zvake nevamwe.

Verenga

Swipe for the next word