Duramazwi
Zvinoreva
Kusimba kana kuomarara.
1
Kusimba kana kuomarara.
Aida kukanda Tanaka mashoko makukutu asi mbama yaaimbenge apihwa yainge yamudzikamisa zvishoma.
Mwanangu, zvinhu zvakaita somutakura kana mbambaira ndizvo zvinonzi zvikukutu, kwete sadza.
Zvikukutu zvawashingirira kudya izvi zvichakunzwisa mudumbu.
2
Kana chinhu chiri chikukutu chinenge chakaoma zvikuru.
3
Kana munhu achinzi mukukutu anenge akasimba, asingarwari.
4
Kana munhu achinzi ane mwoyo mukukutu anenge achiti, kana ane chaati ndicho obva aomesera zvinhu ipapo, asingadi kutupfunyura.
Mamwe mazwi ane K
KDuramazwi
01 / 03kukuvadza
damages
VerengaSwipe for the next word