Duramazwi
kachidza
choke
Duramazwi
choke
Kukachidza kudzipa kana kukosoresa kunoita chinhu chaunenge uchida kumedza kana kufema, icho chobva chamira pahuro. Mapurisa akakanda kasha youtsi mumba mainge makahwanda mbavha, dzikabudamo dzichimhanya dzakachidzwa noutsi.

Mbwirembwire inokachidza kana ukataura wakayiisa mukanwa.
Zema mweya unonhuwa zvikuru unobva pamuviri wechinhu. Chidembo chine zema rinokachidza.
Kana mbambaira ikakudzipa pahuro inenge yanonoka kudzika zvokuti zvinenge zvotokukachidza.
-karikira
Duramazwi
01 / 03kachigwere
Kachigwere kakwenzi kane mashizha anonhuhwirira anoshandiswa kudzinga nhata nekurapa chikosoOTO.
VerengaSwipe for the next word